Wednesday 5 February 2014

Vanoda Kupunza Musha Wavo Havashayi Vabatsiri


Pandaibva kuBrussels ndichienda kunoona shamwari yangu mukuru mukuru wemauto eNATO kuMons munyika yeBelgium.
na Kudakwashe Kanhutu 

“Sic semper tyrannis” (ngazvidai kuvadzvanyiriri kwenguva dzose) – vaJohn Wilkes Booth vapedza kuuraya mutungamiriri we America, President Abraham Lincoln. 

Ini ndinoona kunge kazhinji kacho, zvinenge zvirinani kuti vanhu vemunyika imwe varemekedzane vega pane kurwisana, sezvo kana hondo yatanga hapana anokwanisa kuzoimisa nyangwe musisaide. Kazhinji kacho munhu anenge achinzi mudzvanyiriri, tikanyatso zvicherechedza, anenge asiri mudzvanyiriri semanyorerwe aanenge avekuitwa nevekunze vanenge vaine zvinangwa zvavo zvekuti vanhu vemunyika imwe varwisane. Tikatarisa vaAbraham Lincoln vakaurayiwa nekuti vakanzi mudzvanyiriri navaBooth, tinoona kuti vakange vasiri mudzvanyiriri. Shoko rekuti mudzvanyiriri rinoshandiswa neavo vanenge varikudawo masimba kana kuti vane ruvengowo rwavo.

Chakakosha apa ndechekuti tirangarire kuti kwenguva nenguva hapana hurumende inofadza vanhu vese, saka ngatiregei kuti tikangonzwa kuti munhu mudzvanyiriri tobva tatongoti ichokwadi. Mashoko avaDunn anotiyeuchidza izvi pavakati: “kuva muhurumende kana kuwirirana nehurumende kunofananidzwa nekupusa uye nehuori, asi avo vanenge vachirwisa hurumende vobva vanzi vachenjeri, uye gwara ravo rakarurama.” Nekunzwa mashoko akadai, ndinofunga kuti vanhu venyika yeSyria vangadai vaine hupenyu huri nani pane hwavari kurarama parizvino dai vasina kungoita dzimu tevera yavakaita. Kuremekedzana nekutaurirana kunokunda kumhanyira hondo muchifunga kuti vekunze vachakubatsirai.

Mukutaura kwedu nezve matongerwa enyika nevatungamiriri vemauto ekuRwanda neveSouth Africa, takawirirana kuti nyangwe zvazvo mauto achifanirwa kuremekedza ruzhinji rwevanhu munyika, ruzhinji harufanirwewo kukanganwa kuti mauto vanhu vehondo. Zvinova ndizvo zvandinofunga kuti ndozvakaitika munyika yeSyria nenyika yeLibya. Mauto emo anenge aisaremekedza vanhu, uyewo vanhu vakakanganwa kuti mauto vanhu vehondo, basa ravo nderekuuraya uye vanorigona. Handisipo pakuda kushoropodza vanhu kana kuti mauto panguva ino, ndirikuda kungoedza kuratidza kuti vanhu vemunyika imwe vakanetsana, vekunze havana hany’a navo saka vanobatsira kuti vanhu vaya vaurayane, ivo vekunze vokwanisa kutora upfumi wenyika iya iri kuzvirwisa.

Chatinoona panyaya iyi ndechekuti, veLibya vakawana rubatsiro kubva kune vekunze, asika rubatsiro urwu rwainge rwusiri rwemoyo muchena, vekunze vakauya nekuti vaiva nedaka ravo ravaive naro nemutungamiriri weLibya, uye zvaive nyore kupindira sezvo vaizowana upfumi hweLibya panopera hondo. Kunyangwe zvazvo zvakadaro, kurwisana hakuna kupera, vazhinji vavekurarama hupenyu hwekutya nekuti munhu ega ega ave kufamba nepfuti, uye nyika haisina mutemo. Avawo muSyria vainge vafunga kuti vachawana rubatsiro kubva kunze sezvakaitwa muLibya havana kurwuwana sekuti vekunze vakatya kuti ndege nevatyairi vadzo vaipfurwa vakapindira muSyria. Saka vakangopuhwa zvombo kuti vaurayane vega imomo. Anezenge akunda ndiye achazo kwereteswa mari yekuvaka nyika yaparara kudai. Chikwereti chacho chinoreva kuti Syria inenge yave muhuranda hweuyo aikweretesa mari.

Saka zvese izvi zvinotiratidza kuti, ukada kupunza musha wako, vazhinji vanouya kuzokubatsira nekuti zviri nyore kupunza pane kuvaka.

Kudakwashe Kanhutu
BA (Hons) Conflict, Peace & Security. University of Kent, Canterbury.
School of Politics and International Relations.  

MSc Defence, Development & Diplomacy. Durham University.
Durham Global Security Institute (DGSi)

+447775237379
Connect with me on Facebook: www.facebook.com/kanhutu

"A wise man proportions his belief to the evidence" - David Hume.

No comments:

Post a Comment